Numbers 17

Tsvimbo yaAroni inobukira mashizha

1Jehovha akati kuna Mozisi, 2“Taura kuvaIsraeri utore tsvimbo gumi nembiri kubva kwavari, imwe chete kubva kuno mumwe nomumwe wavatungamiri vamarudzi amadzitateguru avo. Unyore zita romurume mumwe nomumwe patsvimbo yake. 3Patsvimbo yaRevhi unyore zita raAroni, nokuti panofanira kuva netsvimbo imwe chete yomukuru mumwe nomumwe worudzi rwamadzitateguru avo. 4Udziise muTende Rokusangana pamberi peChipupuriro, pandinosangana nemi. 5Tsvimbo yomunhu wandichasarudza ichabukira mashizha, uye ndichagumisa kupopota uku kwavaIsraeri kuri kuramba kuripo pamusoro pako.”

6Saka Mozisi akataura navaIsraeri, uye vatungamiri vavo vakamupa tsvimbo gumi nembiri, imwe chete iri yomutungamiri mumwe nomumwe wamarudzi amadzitateguru avo, uye tsvimbo yaAroni yakanga iri pakati padzo. 7Mozisi akaisa tsvimbo idzi pamberi paJehovha muTende reChipupuriro.

8Fume mangwana Mozisi akapinda muTende reChipupuriro uye akaona kuti tsvimbo yaAroni, iyo yaiva yakamirira imba yaRevhi, yakanga isina kungobukira bedzi asi yakanga yatungira, yava namaruva uye yabereka maarimondi. 9Ipapo Mozisi akatora tsvimbo dzose kubva pamberi paJehovha akaenda nadzo kuvaIsraeri vose. Vakadzitarisa, ipapo murume mumwe nomumwe akatora tsvimbo yake.

10Jehovha akati kuna Mozisi, “Dzorera tsvimbo yaAroni pamberi peTende reChipupuriro, kuti ichengetwe sechiratidzo kuvanhu vanondimukira. Izvozvi zvichagumisa kundipopotera kwavo, kuti varege kufa.” 11Mozisi akaita sezvaakarayirwa naJehovha, izvozvo ndizvo zvaakaita.

12VaIsraeri vakati kuna Mozisi, “Isu tichafa hedu! Takarasika, takarasika isu tose! 13Ani naani achaswedera patabhenakeri yaJehovha achafa. Ko, isu tose tichafa here?”

Copyright information for SnaBDSC